Proverbs 11

1Jehovha anovenga zviero zvinonyengera,
asi zviero zvakakwana zvinomufadza.
2Kana kuzvikudza kwasvika, ipapo kunyadziswa kwasvikawo,
asi uchenjeri huri kune akazvininipisa.

3Unhu hwavakarurama hunovatungamirira,
asi vasina kutendeka vanoparadzwa nokunyengera kwavo.

4Pfuma haibatsiri chinhu pazuva rokutsamwa,
asi kururama kunorwira parufu.

5Kururama kwavasina chavangapomerwa kunovaruramisira nzira yavo,
asi vakaipa vachaparadzwa nezvakaipa zvavo.

6Kururama kwavakarurama kunovarwira,
asi vasina kutendeka vanosungwa nezvishuvo zvavo zvakaipa.

7Kana munhu akaipa afa, tariro yake yaparara;
zvose zvaaitarisira kubva pasimba rake zvaparadzwa.

8Munhu akarurama anonunurwa kubva mudambudziko,
uye rigoenda kuno munhu akaipa panzvimbo yake.

9Munhu asina umwari anoparadza muvakidzani wake nomuromo wake,
asi kubudikidza nezivo akarurama anopunyuka.

10Vakarurama pavanobudirira, guta rinofara;
vakaipa pavanoparara, kupembera nomufaro zvinonzwikwa.

11Kubudikidza nokuropafadzwa kwomunhu akarurama,
guta rinosimudzirwa, asi nomuromo womunhu akaipa rinoparadzwa.

12Munhu anoshayiwa uchenjeri anoseka muvakidzani wake,
asi munhu anonzwisisa anodzora rurimi rwake.

13Guhwa rinoparadza chivimbo,
asi munhu akavimbika anochengetedza zvakavanzika.

14Nokuda kwokushaya utungamiri rudzi runoparara,
asi varayiri vazhinji vanoita kuti kukunda kuvepo.

15Uyo anoisira mumwe rubatso zvirokwazvo achaona nhamo,
asi ani naani anoramba kumbundana maoko achiita mhiko achapona.

16Mukadzi ane mwoyo munyoro achakudzwa,
asi varume vane utsinye vachawana pfuma chete.

17Munhu ane tsitsi anozviitira zvakanaka iye pachake,
asi munhu ane utsinye anozviunzira dambudziko.

18Munhu akaipa anowana mubayiro wokunyengedzera,
asi uyo anodyara kururama anokohwa mubayiro wechokwadi.

19Munhu akarurama zvechokwadi anowana upenyu,
asi uyo anotevera zvakaipa anoenda kurufu rwake.

20Jehovha anovenga vanhu vane mwoyo yakaipa,
asi anofarira avo vane nzira dzisina chadzingapomerwa.

21Zvirokwazvo akaipa acharangwa bedzi,
asi vakarurama vachasunungurwa.

22Sezvakaita mukaro wegoridhe mumhino dzenguruve,
ndizvo zvakaitawo mukadzi akanaka pachiso asi asina njere.

23Chishuvo cheakarurama chinoguma mune zvakanaka chete,
asi tariro yeakaipa inogumira mukutsamwirwa.

24Mumwe munhu anongopa pachena, asi achitowana zvimwe zvakawanda;
mumwe anonyima zvaanofanira kupa, asi agova murombo.

25Munhu anopavhurira achabudirira;
uyo anomutsiridza vamwe achamutsiridzwawo.

26Vanhu vanotuka munhu anounganidza zviyo vamwe vasina,
asi mukomborero uchava korona youyo anofarira kutengesa.

27Uyo anotsvaka zvakanaka achawana nyasha,
asi zvakaipa zvinosvika kune uyo anozvitsvaka.

28Ani naani anovimba noupfumi hwake achawa,
asi akarurama achanaka seshizha nyoro.

29Uyo anouyisa dambudziko kumhuri yake achagara nhaka yemhepo chete,
uye benzi richava muranda womunhu akachenjera.

30Chibereko chokururama ndiwo muti woupenyu,
uye anotungamirira mweya yavanhu kuruponeso ndiye akachenjera.

31Kana vakarurama vachiwana zvakavafanira panyika,
ko, kuzoti akaipa nomutadzi!
Copyright information for SnaBDSC